Njuga

Oliver “Tuku” Mtukudzi

Dzimwe nguva unozviparira wega
Imwe nhamo unozviparira wega
Kana rufu unozvitsvakira wega
Dzimwe nyaya tinozviparira tega

Fume njuga yadya mugwandi
Ungashora aniko?
Inga njuga yadya mugwandi
Ugonangana nani?
Fume njuga yadya mugwandi
Iwe ndiwe waibwanda
Inga njuga yadya mugwandi
Apa ndiwe waisora
Fume njuga yadya mugwandi
Hona hurukuro yaenda
Inga njuga yadya mugwandi
Ende Wekukuraya waenda
Fume njuga yadya mugwandi

Dzimwe nguva tinozviparira tega
Imwe nhamo unozvitsvakira wega
Kana rufu unozviparira wega
Dzimwe nyaya unozviwanira wega


Fume njuga yadya mugwandi
Ungashora aniko pakadaro
Inga njuga yadya mugwandi
Ugonangana nani?
Fume njuga yadya mugwandi
Iwe ndiwe waibwanda
Apa hurukuro yaenda
Inga njuga yadya mugwandi
Wekukuraya waenda
Fume njuga yadya mugwandi
Wongodzungaira nedenda
Inga njuga yadya mugwandi
Hee kuyaura nenhamo
Fume njuga yadya mugwandi

Pazvairehwa wakaramba
Fume njuga yadya mugwandi
Kukuudza wakaramba
Inga njuga yadya mugwandi
Apa hurukuro yaenda
Fume njuga yadya mugwandi
Wekukuraya waenda
Inga njuga yadya mugwandi
Wongodzungaira nedenda iwe
Fume njuga yadya mugwandi
Haa kuyaura nenhamo iwe
Inga njuga yadya mugwandi

Pazvairehwa wakaramba
Fume njuga yadya mugwandi
Kukuudza wakaramba
Inga njuga yadya mugwandi
Apa hurukuro yaenda iyee
Fume njuga yadya mugwandi
Wekukuraya waenda apa
Inga njuga yadya mugwandi
Wongodzungaira nedenda iwee
Fume njuga yadya mugwandi
Haa kuyaura nenhamo
Inga njuga yadya mugwandi

Pazvairehwa wakaramba
Kukuudza wakaramba
Iwe ndiwe waibwanda iwe
Iwe ndiwe waisora
Hee wongodzungaira nedenda iwe
Umm rubatsiro rwaenda...

Lyrics Submitted by Valsgrace

Lyrics provided by https://damnlyrics.com/