damnlyrics.com

Shingisai - mai vangu baba vangu

Ndoitora nguva ino

Yekuti ndikutendei

Ndokutendai namai, ndivo mai makandipa

Ndaiwana zvino nduva

Yekuti ndikutendei

Ndokutendai namai, mai vangu makandipa

Ndivo mai vangu chete

Kundiranga kundirera

Kuti ndigobudirira

Nhasi uno ndiripano

Zuva riye vakanditi, "Usasiye Mwari vako

Munamate nguva dzose, usabva panzira dzake."

Mai Vangu, mai vangu

Mai Vangu, mai vangu

Mai Vangu, mai vangu

Mai Vangu makandipa

Ndoitora nguva ino

Yekuti ndikutendei

Ndokutendai nababa, ndivo baba makandipa

Ndoitora nguva zvino

Yekuti ndikutendei

Ndokutendai nababa, baba vangu makandipa

Ndivo baba vangu chete

Kurudziro yavo ndiyo

"Kuti ugobudirira

shandisawo pfungwa dzako"

Zuva riye vakanditi

"Usanyengedzwa nenyika, verenga mazuva ako

Uzova wakachenjera"

Baba Vangu, baba vangu

Baba Vangu, baba vangu

Baba Vangu, baba vangu

Baba Vangu makandipa

Gore riye vakanditi

"Nyengetera nguva dzose

Kuti vatumwa vekudenga

vachengete nzira dzako"

Zuva riye vakanditi,

"Usasiye Mwari wako,

Munamate nguva dzose

Usabva panzira dzake"

Lyrics Submitted by Joseph Ayema

Enjoy the lyrics !!!