damnlyrics.com

Jesu Ndishamwari Wedu

Jesu ndishamwari wedu,

Mutakuri wakanaka,

Tinokomborerwa kwazvo,

Tine hama yakadai;

Kuti tichimukumbira,

Anofadzwa kupindura,

Anotipa zvakanaka,

Hatizoshayi chiro.

Kuti tine dambudziko

Kana tine rurunziro,

Hatizovi neurombo,

Tinotenda kuna Jesu;

Hatiwoni imwe hama

Yakanaka kunge iye,

Anoziva vanhu vese,

Mukumbire, anokunzwa.

Kuti tisisine simba,

Rekuita basa redu,

Jesu anotibatsira,

Anotipasimba rake;

Kana kuti takatukwa,

Tinonyararidzwa ndiye,

Jesu ndishamwari wedu,

Rudo rwake rwakanaka

Enjoy the lyrics !!!