Shingisai - mai vangu baba vangu - Shingisai
| Page format: |
Shingisai - mai vangu baba vangu Lyrics
Ndoitora nguva ino
Yekuti ndikutendei
Ndokutendai namai, ndivo mai makandipa
Ndaiwana zvino nduva
Yekuti ndikutendei
Ndokutendai namai, mai vangu makandipa
Ndivo mai vangu chete
Kundiranga kundirera
Kuti ndigobudirira
Nhasi uno ndiripano
Zuva riye vakanditi, "Usasiye Mwari vako
Munamate nguva dzose, usabva panzira dzake."
Mai Vangu, mai vangu
Mai Vangu, mai vangu
Mai Vangu, mai vangu
Mai Vangu makandipa
Ndoitora nguva ino
Yekuti ndikutendei
Ndokutendai nababa, ndivo baba makandipa
Ndoitora nguva zvino
Yekuti ndikutendei
Ndokutendai nababa, baba vangu makandipa
Ndivo baba vangu chete
Kurudziro yavo ndiyo
"Kuti ugobudirira
shandisawo pfungwa dzako"
Zuva riye vakanditi
"Usanyengedzwa nenyika, verenga mazuva ako
Uzova wakachenjera"
Baba Vangu, baba vangu
Baba Vangu, baba vangu
Baba Vangu, baba vangu
Baba Vangu makandipa
Gore riye vakanditi
"Nyengetera nguva dzose
Kuti vatumwa vekudenga
vachengete nzira dzako"
Zuva riye vakanditi,
"Usasiye Mwari wako,
Munamate nguva dzose
Usabva panzira dzake"
Lyrics Submitted by Joseph Ayema